Demo


MADONZVO EZVIITO

zvinangwa: Panopera chidzidzo chino mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona:
a) Kudoma mhando dzemadonzvo ezviito.
b) Kunyukura madonzvo ezviito kubva muzvinyorwa.
c) Kunyora zvirevo zvine madonzvo ezviito akasiyana.


Tsanangudzo

  • Zviito zvine mashandisirwo azvinoitwa izvo zvinobva zvaita kuti zvireve zvakasiyana.
  • Zvirevo zvakasiyana izvi ndiwo anonzi madonzvo zviito.

Mhando dzemadonzvo ezviito

1. Donzvo rekutuma

- Donzvo iri nderekutuma munhu kuita kana kusaita chinhu.
a) Kutuma kana kuraira munhu mumwe.
  • Gara pasi udye sadza.
  • Mhanya wakamirirwa.
  • Tora chibage uende kuchigayo.
b) Kutuma kana kuraira vanhu vakawanda kana munhu waunoremekedza.
  • Endai kugomo munotsvaga huni.
  • Dzingai huku idzo dzisasvike pamagwere.
  • Sekuru taurisai handina kunzwa.

2. Donzvo rekuudza/kuzivisa

  • Vasikana vakatamba zvinodadisa.
  • KuChitungwiza kunonetsa mvura.
  • Tanaka ndiye atema huni dziri pabakwa.

3. Donzvo rekuita

  • Donzvo iri riri muchiito.
  • Donzvo haritaridzi vaiti kana nguva yechiito, rinotaridza kuita kana kuitika kwezvinhu.
Mienzaniso
  • Ndinoda kuenda kusvondo.
  • Amai vari kubika sadza remanheru.
  • Tongai ari kuda kufamba rwendo neMugovera.

4. Donzvo rezvanga zvichiitika

  • Tasvika vachangopedza kurima.
  • Mukuru wechikoro paasvika, awana vana vachangoenda kumba.
  • Mvura yanaya zvikuru vachangobva.

5. Donzvo rekukurudzira

  • Donzvo iri rinokurudzira kuita kana kusaitwa kwechinhu.
  • Chiito chinopihwa chivakashure chekurudziro nga- kana kutsinhana naha-.
Mienzaniso
  • Haikona kutamba nechikoro.
  • Ngatibatei pamwe ndima ikurumidze kupera.
  • Ngavasatambire pedyo nemugwagwa.

6. Donzvo rechishuwo

  • Donzvo iri rinoburitsa zviri kudiwa kana kushuvirwa nemutauri.
  • Chiito chinotungamirwa nakuti.
Mienzaniso
  • Baba vanoda kuti vana vasatambire pedyo netsime.
  • Varaira kuti vauye kunze kusati kwadoka.
  • Ndinoda kuti ndisvike kuHarare mangwanani.

7. Donzvo rezvinogoneka/rekwaniso.

  • Iri donzvo rinopangidza zvingangoitika uye rinoshandisa chiratidza nguva -nga-.
Mienzaniso
  • Tingafare kana mvura ikanaya.
  • Ukandipa mari ndingakutende chaizvo.
  • Nhumbi dzikarara panze dzingabiwe nembavha.