MADONZVO EZVIITO
zvinangwa: Panopera chidzidzo chino mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona: |
a) Kudoma mhando dzemadonzvo ezviito. |
b) Kunyukura madonzvo ezviito kubva muzvinyorwa. |
c) Kunyora zvirevo zvine madonzvo ezviito akasiyana. |
Tsanangudzo
- Zviito zvine mashandisirwo azvinoitwa izvo zvinobva zvaita kuti zvireve zvakasiyana.
- Zvirevo zvakasiyana izvi ndiwo anonzi madonzvo zviito.
Mhando dzemadonzvo ezviito
1. Donzvo rekutuma
- Donzvo iri nderekutuma munhu kuita kana kusaita chinhu.
a) Kutuma kana kuraira munhu mumwe.
- Gara pasi udye sadza.
- Mhanya wakamirirwa.
- Tora chibage uende kuchigayo.
b) Kutuma kana kuraira vanhu vakawanda kana munhu waunoremekedza.
- Endai kugomo munotsvaga huni.
- Dzingai huku idzo dzisasvike pamagwere.
- Sekuru taurisai handina kunzwa.
2. Donzvo rekuudza/kuzivisa
- Vasikana vakatamba zvinodadisa.
- KuChitungwiza kunonetsa mvura.
- Tanaka ndiye atema huni dziri pabakwa.
3. Donzvo rekuita
- Donzvo iri riri muchiito.
- Donzvo haritaridzi vaiti kana nguva yechiito, rinotaridza kuita kana kuitika kwezvinhu.
Mienzaniso
- Ndinoda kuenda kusvondo.
- Amai vari kubika sadza remanheru.
- Tongai ari kuda kufamba rwendo neMugovera.
4. Donzvo rezvanga zvichiitika
- Tasvika vachangopedza kurima.
- Mukuru wechikoro paasvika, awana vana vachangoenda kumba.
- Mvura yanaya zvikuru vachangobva.
5. Donzvo rekukurudzira
- Donzvo iri rinokurudzira kuita kana kusaitwa kwechinhu.
- Chiito chinopihwa chivakashure chekurudziro nga- kana kutsinhana naha-.
Mienzaniso
- Haikona kutamba nechikoro.
- Ngatibatei pamwe ndima ikurumidze kupera.
- Ngavasatambire pedyo nemugwagwa.
6. Donzvo rechishuwo
- Donzvo iri rinoburitsa zviri kudiwa kana kushuvirwa nemutauri.
- Chiito chinotungamirwa nakuti.
Mienzaniso
- Baba vanoda kuti vana vasatambire pedyo netsime.
- Varaira kuti vauye kunze kusati kwadoka.
- Ndinoda kuti ndisvike kuHarare mangwanani.
7. Donzvo rezvinogoneka/rekwaniso.
- Iri donzvo rinopangidza zvingangoitika uye rinoshandisa chiratidza nguva -nga-.
Mienzaniso
- Tingafare kana mvura ikanaya.
- Ukandipa mari ndingakutende chaizvo.
- Nhumbi dzikarara panze dzingabiwe nembavha.