MAZITA
ZVINANGWA: Panopera chidzidzo mudzidzi anotarisirwa kune ava kugona: |
- Kudoma mazita ezvinhu zvakavakomberedza.
- Kupatsanura zvivakashure nemadzitsi emazita.
- Kunyora mazita mupinda yakakodzera.
|
- Zvinhu zvose zvakatikomberedza zvine mazita semuenzaniso:
- vanhu
- zvipfuyo
- mhuka dzesango
- shiri
- nzvimbo
- nzizi
- Mazita anoita kuti tione mutsauko wezvinhu zvatinenge tichitaura pamusoro pazvo.
- Pakukura kunoita mwana pane mazwi aanotanga kududza sokuti:
- baba
- amai
- mukaka
- tete
- sadza
- Naizvozvo zvinhu zvose zviri panyika zvine mazita azvinodaidzwa nazvo somuenzaniso:
ZVISINGAONEKWI/ZVISINGABATIKI |
ZVINOONEKWA/ZVINOBATIKA |
hunhu |
shumba |
mhepo |
tafura |
pfungwa |
hozi |
Maumbirwo Emazita
- Mazita anovakwa nezvinhu zviviri zvinoti chivakashure nedzitsi.
Chii chinonzi chivakashure?
- Chivakashure ndicho chinotanga kutaurwa kana kuonekwa tisati tasvika mudzitsi rezita semuenzaniso:
mu-+ -kadzi
mu- + -roora
mu- + -ti
- Pamazita ari pamusoro, chivakashure ndi /mu-/.
- Chivakashure ichi chiri kumirira chinhu chimwe.
- Pane mazita ane zvivakashure zvisingaoneke somuenzaniso:.
- bere
- badza
- jinda
- Chivakashure chinoshandiswa ndi/ri-/
- mambo
- mbudzi
- shure
- Chivakashure chinoshandiswa ndi/N-/
- shure
- zasi
- mberi
- Chivakashure chinoshandiswa ndi/Ø-/
Chii chinonzi dzitsi?
- Dzitsi mudzi kana mwongo wezita nokudaro harishanduki.
somuenzaniso dzitsi iri: -rume
mu- + -rume
ka- + -rume
chi- + -rume
va- + -rume
MIPANDA YEMAZITA
Mupanda |
Chivakashure |
Dzitsi |
Zita |
1 |
mu- mw- |
-komana -enga |
mukomana mwenga |
1a |
Ø- |
-tezvara |
tezvara |
2 |
va- v- |
-kadzi -ana |
vakadzi vana |
2a |
Va- |
-Chimuka |
VaChimuka |
2b |
a- |
-mbuya |
ambuya |
3 |
mu- |
-goti |
mugoti |
4 |
mi- |
-goti |
migoti |
5 |
(ri-) |
-kudo |
gudo |
6 |
ma- |
-kudo |
makudo |
7 |
chi- |
-ngwa |
chingwa |
8 |
zvi- |
-ngwa |
zvingwa |
9 |
i- N- |
-imba -hwai |
imba hwai |
10 |
/dzi-/ N- |
-mba -hwai |
dzimba hwai |
11 |
ru- rw- |
-kova -enga |
rukova rwenga |
12 |
ka- |
-mbwa |
kambwa |
13 |
twu- tu- |
-mbwa -mbwa |
twumbwa tumbwa |
14 |
u- hu- hw- |
-royi -pfu -ahwa |
uroyi hupfu hwahwa |
15 |
ku- |
-dya |
kudya |
16 |
pa- |
-musha |
pamusha |
17 |
ku- |
-chigayo |
kuchigayo |
17a |
Ø- |
-zasi |
zasi |
18 |
mu- |
-gomba |
mugomba |
19 |
svi- |
-sikana |
svisikana |
21 |
zi- |
-rume |
zirume |