Demo

MAZITA

ZVINANGWA: Panopera chidzidzo mudzidzi anotarisirwa kune ava kugona:
  • Kudoma mazita ezvinhu zvakavakomberedza.
  • Kupatsanura zvivakashure nemadzitsi emazita.
  • Kunyora mazita mupinda yakakodzera.
  • Zvinhu zvose zvakatikomberedza zvine mazita semuenzaniso:
    • vanhu
    • zvipfuyo
    • mhuka dzesango
    • shiri
    • nzvimbo
    • nzizi
  • Mazita anoita kuti tione mutsauko wezvinhu zvatinenge tichitaura pamusoro pazvo.
  • Pakukura kunoita mwana pane mazwi aanotanga kududza sokuti:
    • baba
    • amai
    • mukaka
    • tete
    • sadza
  • Naizvozvo zvinhu zvose zviri panyika zvine mazita azvinodaidzwa nazvo somuenzaniso:
ZVISINGAONEKWI/ZVISINGABATIKI ZVINOONEKWA/ZVINOBATIKA
hunhu shumba
mhepo tafura
pfungwa hozi


Maumbirwo Emazita

  • Mazita anovakwa nezvinhu zviviri zvinoti chivakashure nedzitsi.

Chii chinonzi chivakashure?

  • Chivakashure ndicho chinotanga kutaurwa kana kuonekwa tisati tasvika mudzitsi rezita semuenzaniso:

mu-+ -kadzi
mu- + -roora
mu- + -ti

  • Pamazita ari pamusoro, chivakashure ndi /mu-/.
  • Chivakashure ichi chiri kumirira chinhu chimwe.
  • Pane mazita ane zvivakashure zvisingaoneke somuenzaniso:.
    • bere
    • badza
    • jinda
    • Chivakashure chinoshandiswa ndi/ri-/
    •  mambo
    • mbudzi
    •  shure
    • Chivakashure chinoshandiswa ndi/N-/
    • shure
    • zasi
    • mberi
    • Chivakashure chinoshandiswa ndi/Ø-/

Chii chinonzi dzitsi?

  • Dzitsi mudzi kana mwongo wezita nokudaro harishanduki.

somuenzaniso dzitsi iri: -rume
mu- + -rume
ka- + -rume
chi- + -rume
va- + -rume


MIPANDA YEMAZITA

Mupanda Chivakashure Dzitsi Zita
  1 mu-
mw-
-komana
-enga
mukomana
mwenga
1a Ø- -tezvara tezvara
  2 va-
v-
-kadzi
-ana
vakadzi
vana
2a Va- -Chimuka VaChimuka
2b a- -mbuya ambuya
  3 mu- -goti mugoti
  4 mi- -goti migoti
  5 (ri-) -kudo gudo
  6 ma- -kudo makudo
  7 chi- -ngwa chingwa
  8 zvi- -ngwa zvingwa
  9 i-
N-
-imba
-hwai
imba
hwai
 10 /dzi-/
N-
-mba
-hwai
dzimba
hwai
 11 ru-
rw-
-kova
-enga
rukova
rwenga
 12 ka- -mbwa kambwa
 13 twu-
tu-
-mbwa
-mbwa
twumbwa
tumbwa
 14 u-
hu-
hw-
-royi
-pfu
-ahwa
uroyi
hupfu
hwahwa
 15 ku- -dya kudya
 16 pa- -musha pamusha
 17 ku- -chigayo kuchigayo
 17a Ø- -zasi zasi
 18 mu- -gomba mugomba
 19 svi- -sikana svisikana
 21 zi- -rume zirume