Demo

Maumbirwo amazita


  • Mazita ese anopinda muzvikwata zvakasiyanasiyana zvichienderana nemaumbirwo awo.
  • Zvikwata izvi zvinodaidzwa kunzi mipanda.
  • Zvikwata izvi zvinoonekwa nezvivakashure,maumbirwo,ushoma nouzhinji hwawo uye nezvaanoreva.
  • Zita rinovakwa nechivakashure+dzitsi.

Sokuti,

  • mu-+-komana =mukomana

mu- (chivakashure)
-komana (dzitsi)

  • Mazita anoiswa mumupanda mumwe anenge ane sungawirirano yakafanana.

Sokuti,

  • mukomana uyu
  • mukadzi uyu
  • murimi uyu
  • musikana uyu
  • Mazita omumupanda mumwe kanaava muuzhinji anova nechivakashure chimwe chete sokuti,
  • vakomana
  • vakadzi
  • varimi
  • vasikana
  • Zvinoreva kuti mazita ese anofambirana nenzira iyi kupinda mumupanda mumwe.
  • Muchidimbu mazita anoiswa mumupanda nekuda kwezvinotevera:

a) Zvivakashure

  • Zvivakashure zvakafanana zvinoita kuti mazita apinde mumupanda mumwe chete semuenzaniso:
  • rukukwe
  • rukova
  • ruvanze

b) Zvaanoreva

  • Mazita anoreva zvakafanana anopinda mumupanda mumwe chete somuenzaniso:
  • murume
  • mukadzi
  • musikana
  • Mazita evanhu nokudaro anopinda mumupanda 1.

c) Sungawirirano

  • Pane mazita ane zvivakashure zvakafanana asi achipinda mumupanda yakasiyana.
  • Mazita aya kuti apinde mumupanda yawo panoshandiswa sungawirirano.
  • Sungawirirano ikange yakasiyana kureva kuti mazita acho ari kupinda mumipanda yakasiyana somuenzaniso:
  • Iye mukomana. (1)
  • Iwo musana. (3)
  • Imo mupurazi. (18)
  • Kune mamwe mazita ane zvivakashure zvakasiyana asi sungawirirano iri imwe chete somuenzaniso:
  • garwe iri (ri-) + -karwe
  • bhuku iri Ø- + -bhuku
  • zana iri (ri-) + -zana
  • joki iri Ø- + -joki

Sungano youshoma nouwandu.

  • Mazita anopinda mumupanda nekuda kweushoma kana uwandu hwawo somuenzaniso:
  • mukomana (1) vakomana (2)
  • banga (5) mapanga (6)
  • imba (9) dzimba (10)

Mupanda 5

  • Mazita emupanda uyu haana chivakashure chiri pachena.
  • Pamaumbirwo emazita emupanda 5, mazita acho anoshandisa dzitsi remupanda 6.
  • (ri-) ndicho chivakashure chemazita ari mumupanda uyu semuenzaniso:
  • ri- + -kudo = gudo
  • ri- + -tombo = dombo
  • ri- + -chongwe = jongwe
  • Mumupanda umu mune chivakashure ichi zvakare: Ø-
  • Mazita anovakwa nechivakashure ichi ane dzitsi risingashanduki uye mamwe mazwi emupanda uyu akatorwa kubva kune mamwe marudzi.
  • Ø- + - bhuku = bhuku
  • Ø- + - gejo = gejo
  • Ø- + - ziso = ziso
  • Mupanda wamazita unotsanangurwa sechikwata chamazwi ane hukama nokudyidzana sokupangidzwa kwazvaitwa pamusoro.
  • Mipanda yamazita inosvika kumakumi maviri nerimwe (21).

Mupanda Chivakashure Zita
1 mu- mukomana
2 va- vakomana
1a Ø- tezvara
2a Va- VaGumbo
2b a- ambuya
amai
3 mu-
mw-
muti
mugwagwa
mweya
4 mi- minda
5 (ri-) garwe
6 ma- makarwe
7 chi- chikoro
8 zvi-
zv-
zvikoro
zvana
9 i-
N-
mombe
hama
10 dzi- dzimba
11 ru-
rw-
rukova
rwiyo
12 ka- katsuro
13 tu-
twu-
tukomana
twukomana
14 u-
hu-
hw-
upfu
hupenzi
hwahwa
15 ku- kufamba
16 pa- panze
17 ku- kure
17a Ø- zasi
18 mu- mudanga
19 svi-
sv-
svimuto
svana
21 zi- Zigadzi

Mipanda namazita ayo

Mupanda 1

Chivakashure /m-/mw-/
Muenzaniso

Chivakashure Dzitsi
mu- -rume
mu- -komana
mw- -enga/p>
mu- -dzidzisi
Zvaanoreva
  • Ose mazita ari mumupanda 1 anomirira mazita avanhu.
  • Chivakashure chacho mu-, mw- chinomirirazve ushoma hwama zita acho.
Sungawirirano
  • Mazita emupanda 1 ane sungawirirano inoenderana seizvi,
  • murume uyo
  • mukomana uyo
  • mudzidzisi uyo
  • mwenga uyo
  • mweni
  • Chivakashure mu-chinogona kubatana nemadzitsi anobva muzviito,sokuti
    • mutauri
    • mudzidzisi
    • murapi

Mupanda 2

  • Chivakashure /va- v-/
  • Chivakashure ichi chinotaura nezvo uzhinji hwomupanda 1
Mienzaniso,
  • vakomana
  • veni
  • varapi

Mupanda 1a

Chivakashure Ø-
  • Chivakashure ichi hachionekwi pazita.
  • Chinotaura ushoma chichipangidza ukama sokuti sekuru,baba.
  • Chinoreva mazitasingwi evanhu sekuti Chipo,Farai.
  • Chinoreva mazitasingwi enzvimbo sekuti Zambezi,Harare, Chitungwiza.
  • Mazita anotaura mabasa emunhu sekuti mabharani,dhiraivha.

Mupanda 2a

Chivakashure /va- Va- /
  • Mazita aya anoratidza kuremekedzwa kwemazita omumupanda 1a,sokuti,vatete,vasahwira.
/Va- / uyu anoratidza zita romunhu anokudzwa saVaMudyanadzo, VaTadzoka.

Mupanda 2b

Chivakashure /a-/
Mazita omumupanda uyu anoratidza ukama sokuti
  • ambuya
  • amai.

Mupanda 3

Chivakashure /mu- /
  • Chivakashure ichi chinoreva mamwewo mazita asiri avanhu.
  • Mazita aya anogona kuve emiti sekuti;
    • mutohwe
    • mutamba
    • musasa.
  • Anogona kuve mazita anoreva enhengo dzomuviri sekuti;
    • musoro
    • muromo
    • mupimbira.
  • Anogona kureva mamiriro ekunze sekuti;
    • mwedzi
    • mwando.
  • Anogonazve kutaura dzimwe mhando dzezvokudya sekuti;
    • mukaka
    • muriwo.
  • Chivakashure ichi chinogona kubatanawo namadzitsi anobva muzviito sekuti;
    • munamato
    • muridzo.

Mupanda 4

Chivakashure /mi- /
  • Mazita omumupanda uyu uzhinji hwemumupanda 3 sekuti;
    • misika
    • mitohwe
    • miromo
    • mimwe
  • Mamwe mazita emumupanda 3 haashanduki kana ave muuzhinji hwawo saka chivakashure /mw- / chinoonekwazve mumupanda 4 sekuti;
    • mw-edzi
    • mw-ando
  • Mazita anoti moto,moyo ari mumupanda uyu asi chivakashure chawo ndi-/m- /

Mupanda 5

Chivakashure /(ri-) / Ø-/
  • Mazita aya ane chivakashure chisingaonekiasi anozivikanwa nesungawirirano inowanikwa paari sekuti;
    • demo iri
    • danda iri
  • ri- anoita kuti dzitsi rezita rishanduke sekuti;
  • /ri-/+ -temo = demo
  • /ri-/+ -tanda = danda
  • Dzitsi remumupanda 5 rinogona kuva dzitsi mumupanda 6,7 kana 11.
  • Garwe izita remumupanda 5 tarisa maumbirwo anoitwa zita racho;
    • /ri-/ + -karwe
  • Dzitsi -karwe rinogona kuonekwa sezvinotevera;
    • ma-karwe ( mupanda 6)
    • tu-karwe (mupanda 13)
    • chi-karwe (mupanda 7)
    • ru- karwe (mupanda 11)
  • Chakakosha kúziva kuti mazita ari mumupanda 5 isungawirirano yacho nokuti mazita acho akawandisa.

Mupanda 6

  • Aya mazita anoratidza uzhinji hwamazita ari mumupanda 5, 11, 21 sekuti;
    • makudo
    • machira
    • madzikana.
  • Anoratidzazve mazita enzvimbo kana enguva yegore sekuti;
    • materu
    • mavirira
    • mahombekombe.

Mupanda 7

Chivakashure /chi- /ch-
  • Chi-+ -koro
  • Ch- + -anza
  • Ch- + -oto
Mienzaniso yemazita
  • Chigero
  • Chipako
  • Chihuta
  • Chikadzi
  • Chamupidigori
  • Churu
  • Zita rokuti chamupidigori rinovakwa seizvi;cha- + -mupidigori

Mupanda 8

Chivakashure /zvi-/ /zv-/
Mienzaniso
  • zvi-pusha
  • zvi-huta
  • zv-ombo
  • Mazita aya uzhinji hwamazita omumupanda 7

Mupanda 9

/n-/ Ø-/ i-/
  • Aya mazita anoratidza ushoma hwemazita angave eshiri kana mhuka sekuti mbizi, mhembwe,hurekure,njiva
  • Mazita emidziyo yemumba kana nhumbi dzekupfeka sekuti;
    • shashiko
    • nhembe
Maumbirwo acho ndeanotevera;
  • N- + -mombe
  • N- + -ngwena
  • Kune mamwe mazwi ekuti dzitsi rinotorwa kubva kuchiito semuenzaniso;
  • Mhondi inoshandisa dzitsi -pond- ratorwa kubva kuna kuponda.
    • N- + -pond-a (mhondi)
    • N- + -paradz-a (mharadzi)
    • Mharadzi inoshandisa dzitsi -paradz- ratorwa kubva pachiito kuparadza.

Mupanda 10

Chivakashure /dzi-/ Ø- /i-/ n-/
Muenzaniso
  • dzi- + -mba
  • Ø- + -nzou
  • Mazita aya anoratidza uzhinji hwemumupanda 9

Mupanda 11

Chivakashure /ru-/ /rw- / /rwu- /
Mienzaniso
  • rujazi
  • rugotwe
  • rukweza
Zvaanoreva
  • Mazita anotaura zvinhu zvinoshoreka sekuti;
    • rwana
    • rukuni
  • Mamwe anotaurawo zvisingashoreki sekuti;
    • rwaivhi
    • rukodzi
    • rudo

Mupanda 12

Chivakashure /ka-/
  • Mazita omumupanda uyu ane zvinhu zvinoshoreka sokuti;
    • Kashiye
    • kambiya
    • kadhiidhii

Mupanda 13

Chivakashure /tu-/ tw-/twu-/
  • Mazita omumupanda uyu anoreva uzhinji hwemazita emumupanda 12 semuenzaniso;
    • tushiye
    • tumbiya
    • twudhiidhii

Mupanda 14

Chivakashure/u-/ /hu-/ hw-/
  • Mumupanda uyu mune mazita asingaverengeki asi achiratidza umwe sekuti;
    • unyope
    • upenyu
    • utsi
  • Unhu hunoburitswawo mumupanda uyu sekuti;
    • hupenzi
    • upfambi
    • utsinye.

Mupanda 15

Chivakashure /ku-/
  • Mazita omumupanda uyu anoshandisa mudzi wechiito sokuti kufamba,kunyora ,kugara.
Maumbirwo

Chivakashure mudzi wechiito nzvovera
Ku-
Ku-
Ku-
-mhany-
-fem-
-gar-
-a
-a
-a


  • Mazita aya anoratidza donzvo rokuita.
  • Zviitiko zvacho hazvibatiki.

Mupanda 16

Chivakashure /pa-/
  • Mazita aya anotaura pamusoro penzvimbo sokuti;
    • pachikomo
    • pamusoro
    • paruware.
Mavakirwo
Chivakashure + Dzitsi
pa- + -musoro

Mupanda 17

Chivakashure /ku-/
  • Mazita anotaridza nzvimbo iri kure nomutauri.
Mienzaniso
  • kutsime
  • kugwenga
  • kurwizi.

Mupanda 18

Chivakashure /mu- /
  • Aya mazita anoratidza nzvimbo iri mukati sokuti;
    • mumba
    • mudura
    • mumugomo.

Mupanda 19

Chivakashure /svi-/
  • Mazhinji amazita aya anotaurwa kuChikaranga achiratidza zvinhu zvidiki kana zvishoma zvichishoreka sokuti;
    • svimvura
    • svimuto
    • svitete.

Mupanda 21

Chivakashure /zi-/
  • Mazita aya anotaridza zvinhu zvine mwero wakapfurikidza.

Mienzaniso

  • zigomana
  • zidzoro
  • zigora.